Judges 15

Kutsiva kwaSamusoni pavaFiristia

1Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda.

2Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, mununʼuna wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.”

3Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.” 4Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho. 5Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi.

6VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.”

Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa.
7Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.” 8Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami.

9VaFiristia vakakwidza vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi. 10Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?”

Ivo vakapindura vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.”

11Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?”

Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.”

12Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.”

Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.”

13Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware. 14Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake. 15Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru.

16Ipapo Samusoni akati,

“Norushaya rwembongoro
ndavaita mbongoro.
Norushaya rwembongoro
ndauraya varume chiuru.”
17Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo iyoyo ikanzi Ramati Rehi.

18Nokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?” 19Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi.

20Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia.

Copyright information for SnaBDSC